Hebrews 6

1Naizvozvo, tichisiya zvekutanga zvedzidziso yaKristu, ngatipfuurire mukupedzeredza, tisingaisizve nheyo yekutendeuka kubva pamabasa akafa, neyekutenda kuna Mwari, 2yedzidziso yebhabhatidzo, neyekuisa maoko, neyekumuka kwevakafa, neyekutonga kwekusingaperi. 3Uye izvi tichaita, kwega kana Mwari achitendera. 4Nokuti hazvigoneki kuti vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chekudenga, ndokuva vagovani veMweya Mutsvene, 5vakaravira shoko rakanaka raMwari, nemasimba enyika inouya, 6ndokutsauka kutivavavandudzirezve mukutendeuka, zvavanozvirovererazve pamuchinjikwa Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena. 7Nokuti nyika inonwa mvura inogarouya pamusoro payo, ndokubereka miriwo yakafanira avo vanoirimawo, inowana ropafadzo kubva kuna Mwari; 8asi iyo inobereka minzwa nerukato, inorambwa uye yava pedo nekutukwa; kuguma kwayo kuri mukupiswa. 9Asi tine chokwadi pamusoro penyu chezvinhu zviri nani, vadiwa, uye zvinhu zvine ruponeso, kunyange tichitaura sezvizvi; 10nokuti Mwari haasi asakarurama kuti akanganwe basa renyu nebasa rakarema rerudo rwamakaratidza kuzita rake, pamakashumira vatsvene uye muchiri kushumira. 11Zvino tinoshuva kuti umwe neumwe wenyu aratidze kushingaira kwakadaro kuve kuvimbiswa kwakakwana kwetariro pakuguma. 12Kuti murege kuva simbe, asi vateveri veavo vanodya nhaka yezvivimbiso kubudikidza nerutendo nemoyo murefu. 13Nokuti Mwari paakavimbisa Abhurahama, nokuti wakange asina wakamudarika waangapika naye, wakapika naiye pachake, 14achiti: Zvirokwazvo kuropafadza ndichakuropafadza, nekuwanza ndichakuwanza. 15Saizvozvowo, wakati atsungirira nemoyo murefu akawana chivimbiso. 16Nokuti vanhu zvirokwazvo vanopika nemukuru kwavari, nemhiko yekusimbisa kuguma kwegakava rese kwavari. 17Pakazoti Mwari achida zvikurusa kuratidza kuvadyi venhaka yechivimbiso kusashanduka kwezano rake, wakamiririra nemhiko, 18kuti nezvinhu zviviri zvisingashanduki, pazviri pasingagoni kuti Mwari areve nhema, tive nekunyaradzwa kwakasimba, iyesu takatizira kunovanda kuti tibatirire kutariro yakaiswa pamberi pedu; 19yatinayo sechitsigiso chemweya chakatsiga uye chakasimba, inopinda kune zviri mukati mevheiri; 20apo nhungamiri payakatipindira, iye Jesu, wakaitwa mupristi mukuru nekusingaperi, kubva kurudzi rwaMerikizedheki.

Copyright information for Shona